Tuesday 5 May 2020

WHAT THE TRUE LOVE OF CHRIST BEARS IN US - RUDO RUNOBETSEREI MATIRI?

By Elder Muchapaziva Begede

Scripture: 1 Corinthians 13:4-7


Love is patient - able to accept or tolerate delays, problems, or suffering without becoming annoyed or anxious - Rudo runopa simba rekugona kumirira…

Love is kind – It gives you the quality of being friendly, generous, and considerate  -Rudo runo kuita munhu anonzwira vamwe nekukusunda kubatsira vamwe.

Love is not jealous - when you see something nice that someone else has, and it inspires positive emotions. You feel happy, and want to help them have it more and longer -  Kunzwa kukomborerwa nekuitirwa zvakanaka nekubudirira kwevamwe chero iwe zvisinakukumirira mushe. Even uchizvidawo kana kuti waitokwikwidza navo ukazokundikana. Chero uchifunga kuti ukapiwa mumwe mukana unoita zvirinani. Rudo runoita kuti ugamuchire vamwe nekufara navanofara.

Love is not boastful – It removes self-satisfaction in one's achievements, possessions, or abilities Rudo runoita kuti munhu azvipete nekuzvininipisa uye asazvitutumadze nokuda kwezvaari, zvaanazvo kana zvaanogona.

Love is not proud – it helps you not to have or show a high or excessively high opinion of oneself or one's importance - Rudo runobvisa kuzvida nekuzvionera pamusoro sewakakosha kudarika vamwe vanhu vese. Chero uine zvavasina kana kuti uchigona zvavasingagone.

Love is not rude – causes you not to be offensively impolite or bad-mannered - Rudo rwaKristu rwunobvisa hunhubu, hundururani uye nemweya wekusaremekedza vamwe, vakuru kwauri kana vadiki kwauri, hama dzako kana vatorwa, vanotenda kana vasingatendi

Love does not demand its own way - Rudo runobvisa “chindini” pamunhu uye nekatsika kekusada munzwawo pfungwa nemaonero evamwe. Rudo runouraya kamweya ke”chandagwinyira” kekuramba kupiwa mazano nekurairwa nevamwe nekutarisira maonero evamwe vanhu pasi usina kumbovapa mukana wakakwana wekutaurawo zvavanofunga.

Love is not irritable –It removes the tendency to be easily annoyed - Kana wavanerudo rwaKristu, kukasira kugumbuka nekusvotwa nevanhu kunopera. Kungodhinhiwa nekungofizurwa nezvisina maturo zvinopera. Kusema vanhu, kungonzwa kumaka vanhu vanemaonero akasiyana newe nekudadira vanhu, kunopera uko.

Love does not keep record of wrong - Kana rudo rwapinda mumwoyo, zvigumbu hazvitakurike, zuva haridoke wakamudhura. Haumirire kunzi sorry kuti uregerere munhu. Chero asina kuti sorry anokananwirwa. Chero asina kubvuma mhosva yake, chero waunoziva kuti akakumaka anoregerwa, chero akakutadzira nebwone. Rudo harusungirire munhu mumwoyo kana kuchengeta BHUKU rezvitazvo zvevanhu mumwoyo.

Love does not rejoice about injustice - Rudo runoita kuti uvenge kusaruramisirwa kwevamwe, kana corruption, chero chezivano

Love rejoices whenever the truth wins out - Rudo runomirira chokwadi uye runoita kuti kufarira nekukukonzeresa uite kuti chokwadi chibude pachena.

Love never gives up - Rudo runosika kutsungirira mumutendi panguva dzakaoma. Hauzorase Tariro kana rudo ruzere mauri.

Love never loses faith - Rudo runovandudza kutenda nekukusimbisa pakubatirira parutendo.

Love is always hopeful - Rudo runopa tariro, runo tarisira zvakanaka kwete zvakaipa

Love endures through every circumstance - Rudo runokukundisa chero panguva ipi zvayo, mukuipa kana mukunaka.

Mwari vadurure rudo rwavo chairwo muhana dzedu tose.


No comments:

Post a Comment

GOD is in Control

WARFARE PRAYERS AGAINST CHURCH ATTACKS